Ezira 8:22-23
Ezira 8:22-23 SNA2002
Nokuti ndakanyara kukumbira kuna mambo boka ravarwi navatasvi vamabhiza kutibatsira kurwa navavengi panzira; nokuti takanga tataura namambo, tichiti, “Ruoko rwaMwari wedu runochengeta vose vanomutsvaka, kuvaitira zvakanaka; asi simba rake nokutsamwa kwake zvinorwa navose vanomurasha.” Naizvozvo takazvinyima zvokudya, tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, akatinzwa.

