Zvino Mosesi akati kuna Mwari, “Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muIjipiti here?”
Akati, “Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.”
Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?”
Mwari akati kuna Mosesi, “NDICHAVA IYE WANDICHAVA.” Akati, “Unoti kuvana vaIsiraeri, ‘NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.’ ” Mwari akatiwo kuna Mosesi, “Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose. Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri,’ akati, ‘Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;’ ndikati, ‘Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paIjipiti, ndimuise kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.’ Vachateerera izwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weIjipiti, muti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.’ Ndinoziva kuti mambo weIjipiti haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba. Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Ijipiti nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda. Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaIjipiti, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu. Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo.”