VaEfeso 2:8-10
VaEfeso 2:8-10 SNA2002
nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu anozvikudza. Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti muna Kristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari.



