Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vana vaIsiraeri, pamusoro porudzi rwose rwandakabudisa panyika yeIjipiti, ndichiti, “Ndimi moga vandakaziva pakati pamarudzi ose enyika; naizvozvo ndichakurovai pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose.” Ko vaviri vangafamba pamwechete vasina kumbotenderana here? Ko shumba ingaomba mudondo isina chayakuruma here? Ko shumba duku ingarira mubako rayo isina chayakabata here? Ko shiri ingawira pasi mumusungo paisina kudzikirwa rugombe here? Ko musungo ungaurukira kumusoro usina chawakabata here? Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here? Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake. Shumba yaomba; ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha akataura; ndiani angarega kuporofita?
Verenga chikamu Amosi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Amosi 3:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo