Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 5:28-32

Mabasa 5:28-32 SNA2002

achiti, “Takakurayirai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, zvino tarirai, mazadza Jerusaremu nokudzidzisa kwenyu, muchida kuti ropa romunhu uyu riuye pamusoro pedu.” Zvino Petirosi navapostori vakapindura, vakati, “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu. Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu, iye wamakauraya muchimuturika pamuti. Mwari akamusimudza iye noruoko rwake rworudyi, ave Mutungamiri noMusununguri, kuti ape vaIsiraeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi. Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; naMweya Mutsvenewo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuteerera.”

Verenga chikamu Mabasa 5