Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 22:1-29

Mabasa 22:1-29 SNA2002

“Varume, hama, namadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu pamberi penyu zvino.” Ivo vakati vachinzwa, kuti wotaura navo norurimi rwechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Iye akati, “Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurayiro wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi; ndikatambudza veNzira iyi kusvikira pakuuraya, ndichisunga varume navakadzi nokuvaisa mutorongo, mupristi mukuru sezvaangandipupurirawo namakurukota ose; ndikapiwa tsamba navo kuhama, ndikaenda Dhamasiko kuti ndiise Jerusaremu avo vaigarako, vakasungwa, kuti varohwe. “Zvino ndakati ndichifamba, ndoswedera Dhamasiko, anenge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose nechiedza chikuru, chaibva kudenga. Ndikawira pasi, ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?’ “Ndikapindura, ndikati, ‘Ndimi aniko Ishe?’ Akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza.’ Zvino vaiva neni vakaona chiedza, asi havana kunzwa izwi rowakataura neni. “Ndikati, ‘Ndodiniko, Ishe?’ Ishe akati kwandiri, ‘Simuka, uende Dhamasiko, apo uchaudzwa zvose zvakatarwa kuti uzviite.’ Zvino zvandakanga ndisingagoni kuona nokupenya kwechiedza icho, ndikasesedzwa noruoko navaiva neni, ndikasvika Dhamasiko. “Zvino mumwe murume, ainzi Ananiasi, munhu ainamata Mwari sezvinoreva murayiro, aipupurirwa zvakanaka navaJudha vose vakanga vagerepo, akauya kwandiri, akamira, akati kwandiri, ‘Sauro, hama, chiona!’ Nenguva iyo ndikamuona. Iye akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akakutsanangura, kuti uzive kuda kwake, nokumuona iye wakarurama, nokunzwa inzwi, rinobva mumuromo make. Nokuti iwe uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakaona nezvawakanzwa. Zvino uchanonokereiko? Simuka, ubhabhatidzwe, usukwe zvivi zvako, udane zita rake.’ “Zvino ndakati ndadzokera Jerusaremu, ndichinyengetera mutemberi, ndikaita sokubatwa mweya, ndikamuona, achiti kwandiri, ‘Kurumidza, ubve Jerusaremu zvino-zvino, nokuti havangagamuchiri kupupura kwako pamusoro pangu.’ Ipapo ndikati, ‘Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutorongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri; uye, musi wakadururwa ropa raSitefano, chapupu chenyu, neniwo ndakanga ndimirepo, ndichibvumira, ndikachengeta nguo dzavaimuuraya.’ “Ipapo akati kwandiri, ‘Enda, ndichakutuma kure kuvahedheni.’ ” Vakamuteerera kusvikira pashoko iro; ipapo vakadanidzira, vachiti, “Akadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.” Vakadanidzira, vakakandira nguo dzavo pasi, vachikushira ivhu kudenga, mukuru wechiuru chamazana akarayira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurohwa zvikuru, kuti azive mhosva yavakanga vamupopoterera kudai. Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, akanga amirepo, “Makatenderwa kurova munhu ari muRoma, asina kutongwa here?” Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda kumukuru wechiuru chamazana, akamuudza akati, “Munoda kuiteiko? Nokuti munhu uyu muRoma.” Mukuru wechiuru chamazana akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Akati, “Hongu.” Mukuru wechiuru chamazana akati, “Ini ndakatenga simba iri rokuva muRoma nomutengo mukuru.” Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.” Zvino vakanga vomubvunzisisa, vakabva kwaari pakarepo, nomukuru wechiuru chamazana akatyawo achiziva kuti iye muRoma, uye nokuti akanga amusunga.

Verenga chikamu Mabasa 22