Mabasa 14:8-15
Mabasa 14:8-15 SNA2002
Zvino paRisitira paigara mumwe murume akanga asina simba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba. Iye akanzwa Pauro achitaura; zvino iye akati achimutarisisa, akaona kuti anokutenda kuti angaporeswa, akati nezwi guru, “Mira kwazvo netsoka dzako.” Iye akavazuka, akafamba. Vanhu vazhinji vakati vaona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikonia, vachiti, “Vamwari vaburukira kwatiri, vaita savanhu.” Bhanabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merikuro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. Ipapo mupristi waJupiteri aiva netemberi yake pamberi peguta, akauya pamusuo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, anavanhu vazhinji naye. Zvino vapostori, Bhanabhasi naPauro, vakati vachinzwa izvozvo, vakabvarura nguo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira, vachiti, “Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semiwo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaizvozvo zvisina maturo, mutendeukire kuna Mwari mupenyu akaita denga napasi; negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.

