Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 7:4-8

ƲaRoma 7:4-8 SUB1949

Saka, hama dzaŋgu nemi ʋo makaitwa ʋakafa kumurairo nomuʋiri waKristu; kuti muʋe womumŋe, iye wakamutswa paʋakafa, kuti tiɓerekere Mŋari ɀiɓereko. Nokuti paŋguʋa iyo ticiri munyama, kuciʋa kweɀiʋi, kwakamutswa nomurairo, kwakaɓata mumitezo yeɗu kuti kuɓereke ɀiɓereko ɀinoisa kurufu. Asi ɀino takasunuŋgurwa pamurairo, takafa kunaiɀoɀo ɀatakaŋga takasuŋgwa naɀo; naiɀoɀo tinoɓatira Mŋari nomŋeya mutȿa, tisiŋgaɓatiri neɀakanyorwa ɀakare. Ɀino ticatiyiko? Murairo ɀiʋi here? Haiȿa! Asi handizaiziʋa ɀiʋi kana murairo usaiʋa’po; nokuti handizaiziʋa kuciʋa, kana murairo usina‐kuti: Usaciʋa; ɀino ɀiʋi ɀakawana nzira nomurairo, ɀikaita mandiri mitoʋo yose yokuciʋa; nokuti kunze kwomurairo ɀiʋi ɀakafa.

Verenga chikamu ƲaRoma 7