ƲaRoma 5:5-10
ƲaRoma 5:5-10 SUB1949
tariro hainyadzisi; nokuti ruɗo rwaMŋari rwakaɗirwa mumŋoyo yeɗu noMŋeya Mutȿene watakapiwa. Nokuti ticiri pakushaiwa simba, Kristu paŋguʋa yakafanira wakafira ʋasiŋgaɗi Mŋari. Nokuti ɀinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti ɀimŋe mumŋe uŋgatsuŋga kufira wakanaka. Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi. Ɀino, ɀatakaruramiswa muropa rake, ticaponeswa ɀikuru sei naye pakutsamŋa. Nokuti ɀatakayananiswa naMŋari nokufa kwoMŋanakomana wake, ticiri ʋaʋeŋgi ʋake, ɀikuru ticaponeswa kana tayananiswa noʋupenyu bgake


