ƲaRoma 4:20-24
ƲaRoma 4:20-24 SUB1949
akatarira cipikirwa caMŋari, haanakunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mŋari, aciziʋa kwaɀo, kuti ico caakapikira, wakaŋga anesimba rokuciita ʋo. Saka ɀakanzi kwaari ndiko kururama. Ɀino haɀina‐kunyorwa nokuɗa kwake ɓedzi, kuti ɀakanzarwo kwaari; asi nokuɗa kweɗu ʋo; nesu ticanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu, Ishe weɗu, kuʋakafa

