Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 3:23-26

ƲaRoma 3:23-26 SUB1949

nokuti ʋose ʋakatadza, ʋakasaȿika pakubginya kwaMŋari. Ʋanoŋgoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu; iye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti ɀiʋi ɀakaitwa kare ɀakaregerwa, Mŋari aciʋaitira mŋoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe neŋguʋa ino, kuti arurame iye amene, ʋuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.

Verenga chikamu ƲaRoma 3