Ɀino gamucirai usinesimba pakutenda kwake musiŋgaiti gakaʋa naye pamsoro pokufuŋga kwake. Mumŋe munhu unokutenda kuti uŋgadya ɀose; asi usinesimba unodya miriʋo. Unodya ŋgaarege kuɀidza usiŋgadyi; usiŋgadyi ŋgaarege kupa mhoȿa unodya; nokuti Mŋari wakamugamucira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumŋe munhu mhoȿa? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Ucamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa. Mumŋe munhu unoti zuʋa rimŋe rinopfuʋura rimŋe; mumŋe unoti mazuʋa ose akafanana. Mumŋe nomumŋe ŋgaaziʋe kwaɀo mumŋoyo make. Uyo unoceŋgeta zuʋa, unoriceŋgeta nokuɗa kwaShe; uyo unodya, unodya nokuɗa kwaShe, nokuti unoʋoŋga Mŋari; uyo usiŋgadyi, haadyi nokuɗa kwaShe, naiye unoʋoŋga Mŋari. Nokuti hakunomumŋe weɗu unoɀiraramira iye oga, hakuna‐unoɀifira iye oga. Nokuti kana ticirarama tinoraramira Ishe; kana ticifa, tinofira Ishe; ɀino kana ticirarama, kana ticifa, tiri ʋaShe. Nokuti Kristu wakafira iɀoɀi, akararama ɀe kuti aʋe Ishe waʋose — ʋakafa naʋapenyu. Ɀino iwe, unopireiko hama yako mhoȿa? Kana newe ʋo, unoɀidzireiko hama yako? Nokuti isu tose ticamira pacigaro cokutoŋga caMŋari. Nokuti kwakanyorwa, kucinzi:
Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe — ibvi rimŋe nerimŋe ricandifugamira,
Rurimi rumŋe norumŋe rucakudza Mŋari.
Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe weɗu ucaɀiɗaʋirira kunaMŋari.
Naiɀoɀo ŋgatirege kuramba ticitoŋgana; asi ɀirinani kuti mutoŋge, kuti munhu arege kuisa cigumbuso kana cinopiŋganidza pamberi pehama yake. Ndinoziʋa, nokuziʋisisa kwaɀo munaShe Jesu, kuti hakunecinhu cinetȿina cimeme; asi uyo unoti, cinetȿina, kwaari cinetȿina. Nokuti kana hama yako iciȿiɓiswa mŋoyo nokuɗa kweɀokudya, iwe haucafambi noruɗo. Usaparadza neɀokudya ɀako uyo wakafirwa naKristu. Naiɀoɀo kunaka kwenyu ŋgakurege kuɀidzwa. Nokuti ʋushe bgaMŋari haɀizi ɀokudya kana ɀokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMŋeya Mutȿene. Nokuti unoɓatira Kristu paɀinhu iɀi, unofadza Mŋari, ʋuye unotendwa naʋanhu.