Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoʋudza mumŋe nomumŋe uri pakati penyu, kuti arege kuɀifuŋga mukuru kupfuʋura paanofanira kufuŋga napo; asi afuŋge nokufuŋga kwakacenjera, mumŋe nomumŋe neciyero cokutenda, seɀaakagoʋerwa naMŋari. Nokuti seɀatinemitezo mizhinji pamuʋiri mumŋe, asi mitezo yose haineɓasa rimŋe cete; saiɀoɀo isu, tiri ʋazhinji, tiri muʋiri mumŋe cete munaKristu, mumŋe nomumŋe ari mutezo waʋamŋe. Tineɀipo ɀakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuprofita, ŋgatiprofite ɀakaenzana nokutenda kweɗu; kana kuri kushumira, ŋgaɀiʋonekwe pakushumira kweɗu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kweɗu; kana kuri kuraira, pakuraira kweɗu; unopa, ŋgaape nomŋoyo wose; uri mukuru, ŋgaaɓate nokushiŋgaira; unoitira ŋgoni, ŋgaaite nomufaro. Ruɗo ŋgarurege kuʋa nokunyeŋgera. Ʋeŋgai ɀakaipa; namatirai ɀakanaka. Kana ruri ruɗo pakati paʋatendi, ɗanai noruɗo rukuru; pakukudzana tuŋgamiriranai. Regai kuʋa noʋusimbe pakushiŋgaira; pisai pamŋeya; ɓatirai Ishe; farai patariro; tsuŋgirirai pakutambudzika; rambai mucinyeŋgetera
Verenga chikamu ƲaRoma 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaRoma 12:3-12
3 Mazuva
VaRoma chitsauko 12 inotipa rugwaro runotaura nezvekurarama kwemukristu. Inokurudzira kushandurwa kwemunhu pakupiwa mufungo mutsva unobatsira kushandura raramo yemunhu. Inosimbisisa kukosha kwezvipo zvemweya nebasa ringaitwa nemumwe nemumwe mumuviri waKristu. Pamusoro pazvose, inosimudzira kukosha kwerudo, rudo runokomborera kunyange munguva yekutambudzwa, ruchitsvaga runyararo nerugare.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo