Ndinotaura kwamuri, imi ʋahedeni. Ɀandiri muapostora waʋahedeni, ndinokudza ɓasa raŋgu. Ɀimŋe ndiŋgamutsa goɗo kunaʋenyama yaŋgu, ndiponese ʋamŋe ʋaʋo. Nokuti kana kurashwa kwaʋo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamucirwa kwaʋo kucagoʋeiko, asi ʋupenyu pakufa? Ɀino kana ciɓereko cokutaŋga ciri citȿene, ɓundu rose rakaɗaro ʋo; kana mudzi uri mutȿene, mataʋi akaɗaro ʋo. Ɀino, kana mamŋe mataʋi akavuniwa, iwe, muorivi wokuɗondo ukaɓatanidzwa pakati pawo, ukaʋa nomugoʋe pamŋe cete nawo pamudzi napamafuta omuorivi; usaɀikudza pamsoro pamataʋi; kana uciɀikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe. Ɀino iwe ucati, mataʋi akavuniwa, kuti ini ndiɓatanidzwe. Ndiɀoɀo; ʋakavuniwa nokusatenda kwaʋo, iwe unomira nokutenda kwako. Usaɀikudza, asi utye; nokuti kana Mŋari asina‐kurega mataʋi okutaŋga, haaŋgakuregi newe ʋo. Ɀino tarira ʋunyoro nokukasharara kwaMŋari; kukasharara kunaʋakawa, asi kwauri ʋunyoro bgaMŋari, kana ucigara paʋunyoro bgake; kana ɀisakaɗaro, newe ucatemŋa ʋo. Naiʋo ʋo, kana ʋasiŋgagari pakusatenda kwaʋo, ʋacaɓatanidzwa; nokuti Mŋari unogona kuʋaɓatanidza ɀe. Nokuti kana iwe wakatemŋa kumuorivi, uri wokuɗondo pakusikwa kwawo, ukaɓatanidzwa pamuorivi wakanaka, ɀicipesana nokusikwa kwaɀo — ɀikuru sei aʋa ʋariʋomuti iwoyo umene, ʋaŋgaɓatanidzwa pamuorivi waʋo!
Nokuti hama dzaŋgu, handiɗi kuti musaziʋa cakaʋanzika ici, kuti murege kuʋa namanyawi; kuti kuwomeswa kwomŋoyo kwakaʋuya pamsoro paʋamŋe ʋaʋaIsraeri kuȿikira kuzara kwaʋahedeni kwapinda; naiɀoɀo rudzi rwose rwaʋaIsraeri rucaponeswa; seɀaɀakanyorwa ɀicinzi:
PaZioni pacaɓuɗa Musunuŋguri;
Ucabvisa kusaɗa‐Mŋari kunaJakobo