Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 15:1-8

Ɀakazarurwa 15:1-8 SUB1949

Ɀino ndakaʋona cimŋe ciratidzo kuɗeŋga, cikuru cinoshamisa, ici: Ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanamaɗambudziko manomŋe okupedzisira, nokuti kutsamŋa kwaMŋari kwakapera nawo. Ndikaʋona cakaita seguŋgwa rinoʋonekera rakaveŋganiswa nomŋoto, naiʋo ʋakaʋuya ʋakunda cikara nomufananidzo waco, neciʋereŋgo cezita raco, ʋamire pamsoro peguŋgwa rinoʋonekera, ʋanoʋuɗimbga bgaMŋari. Ʋakaŋga ʋaciimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMŋari, norwiyo rweGwaiana, ʋaciti: Ishe, Mŋari wamasimba ose, maɓasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzaɀokwaɗi. Ndianiko uŋgarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutȿene; nokuti marudzi ose acaʋuya, acinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa. Shure kwaiɀoɀo ndakaʋona tembere yetabernakeri yoʋucapupu yokuɗeŋga yakazarurwa; mutembere mukaɓuɗa ʋatumŋa ʋanomŋe ʋanamaɗambudziko manomŋe, ʋakafuka muceka wakacena unopenya, ʋakasuŋgwa paɀifuʋa ɀaʋo namabanhire endarama. Ipapo cimŋe ceɀisikwa ɀipenyu ɀinna cakapa ʋatumŋa ʋanomŋe ndiro nomŋe dzendarama, dzizere nokutsamŋa kwaMŋari, iye mupenyu nokusiŋgaperi‐peri. Tembere ikazara noʋutsi bgunobva pakubginya kwaMŋari napasimba rake; kukasaʋa nomunhu wakagona kupinda patembere, kuȿikira maɗambudziko manomŋe aʋatumŋa ʋanomŋe apera.