Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 55:1-10

Mapisarema 55:1-10 SUB1949

Rerekerai nzeʋe yenyu kumunyeŋgetero wangu, Mŋari; Regai kuɀiʋanza pakukumbira kwaŋgu. Nditererei, mundipindure; Ndinoshaiwa zororo mukucema kwaŋgu, ndiciʋuʋura; Nokuɗa kwenzwi romuʋeŋgi, Nokuɗa kwokumanikidza kwowakaipa; Nokuti ʋanondipomera ɀakaipa, Ʋanonditambudza nokutsamŋa kwaʋo. Mŋoyo waŋgu unorwadziwa kwaɀo mukati maŋgu; Garudzo rorufu rakandiwira, Kutya nokubvunda ɀakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza. Ini ndikati: Haiwa, ɗayi ndaiʋa namapapiro senjiʋa! Ndaibururuka, ndikandozorora. Tarirai, ndiŋgaɗayi ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje. Ndaikurumidza kundoʋanda, Nditize mhepo inovuvuta neɗutu guru. Paradzai, Ishe, mukaŋganise marimi aʋo; Nokuti ndakaʋona kumanikidza nokurwa muguta. Masikati noʋusiku ʋanoripoteredza pamaȿiŋgo aro; Ɀakaipa ʋo neɀakashata ɀiri mukati maro.