Ɀireʋo ɀaSoromoni, mŋanakomana waDavidi, mambo waIsraeri: Kuti ʋanhu ʋaziʋe ʋucenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere; Ʋarairirwe nzira yokuŋgwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; Ʋasinamano ʋapiwe kuŋgwara, Jaya ripiwe ziʋo nokucenjera; Kuti wakacenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka.
Verenga chikamu Ɀireʋo 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 1:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo