Ɀinhu iɀo ɀamakadzidza, neɀamakapiwa, neɀamakanzwa, neɀamakaʋona kwandiri, itai iɀoɀo; Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi. Ndakafara ɀikuru munaShe, nokuti ɀino makapepuka ɀe mukandiraŋgarira; makaŋga maraŋgarira henyu, asi makashaiwa ŋguʋa. Handireʋi iɀoɀi nokuti ndinoshaiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda neɀose ɀandinaɀo. Ndinoziʋa ʋurombo, ndinoziʋa ʋo kuʋa neɀakawanda; pacinhu cipi necipi napaɀinhu ɀose ndakadzidziswa kuti ndiziʋe kuguta nokunzwa nzara, kuʋa neɀizhinji nokushaiwa. Ndiŋgaita ɀose naiye unondipa simba.
Verenga chikamu ƲaFiripi 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaFiripi 4:9-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo