Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaFiripi 1:19-30

ƲaFiripi 1:19-30 SUB1949

Nokuti ndinoziʋa kuti nokuɗa kwokukumbira kwenyu nokusimbiswa kwoMŋeya waJesu Kristu, iɀoɀi ɀicaʋa kuponeswa kwaŋgu, ɀandinotarira ɀikuru netariro, kuti handiŋganyadziswi pacinhu cimŋe; asi kuti ɀino, sapaŋguʋa dzose, nokusatya kwaŋgu kwose Kristu ucakudzwa mumuʋiri waŋgu, kana noʋupenyu, kana nokufa. Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma. Ɀino kana ndicirarama panyama, iɀo ɀicandipa ɀiɓereko ɀokuɓata kwaŋgu; handiziʋi candicasanaŋgura; ɀino ndinomanikidzwa neɀinhu ɀiʋiri: ndinoɗa kubva, kuti ndiʋe naKristu, nokuti ndiɀo ɀinopfuʋura nokunaka; asi nokuɗa kwenyu ɀakanaka kuti ndigare panyama. Ɀino ndicitenda cinhu ici, ndinoziʋa kuti ndicagara, ndicaramba ndigere nemi mose, kuti mupfuʋurire mberi, mufare pakutenda; kuti muɀirumbidze ɀikuru munaKristu Jesu pamsoro paŋgu nokuɗa kwokudzokera kwaŋgu kwamuri. Asi fambai ɓedzi ɀakafanira Evaŋgeri yaKristu; kuti kunyaŋge ndikaʋuya ndikakuʋonai, kunyaŋge ndisi’po, ndinzwe pamsoro penyu kuti mumire nesimba nomŋeya mumŋe, nomŋoyo mumŋe, mucirwira kutenda kweEvaŋgeri; musiŋgatyiswi pacinhu cimŋe naʋanorwa nemi. Ndiɀo ɀicaʋa ciratidzo cokuparadzwa kwaʋari, asi kwamuri cokuponeswa; cinhu ici cinobva kunaMŋari. Nokuti nokuɗa kwaKristu imi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari ɓedzi, asi kuti mutambudzike ʋo nokuɗa kwake; imi mucirwa ʋo nokurwa uku kwamakaʋona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa naɀino.

Verenga chikamu ƲaFiripi 1