Jehova akataura naMosesi, akati: Ʋereŋga ʋanakomana ʋose ʋaGershoni, dzimba dzamadziɓaɓa aʋo, nemhuri dzaʋo. Uʋereŋge ʋanamakore makumi matatu naʋanopfuʋura kuȿikira makore makumi mashanu; ʋose ʋanopinda kundoɓate‐ɓasa, kuɓata mutente rokusoŋgana. Ndiro ɓasa remhuri dzaʋaGershoni pakuɓata napakutakura mitoro: Iʋo ʋanofanira kutakura macira etabernakeri, netente rokusoŋgana; necokufukidzira cayo, necokufukidzira camatebge amatenhe, ciri pamsoro payo, necidzitiro comukoʋa wetente rokusoŋgana; neɀirembedzwa ɀoruʋazhe, necidzitiro comukoʋa wesuʋo roruʋazhe, ruri patabernakeri nokunhiʋi dzose dzeartari, namaɓote aɀo, nenhumbi dzaɀo dzose dzinoɓata maɓasa aɀo, neɀose ɀinoɓatwa naɀo, ndiro ɓasa raʋo. Maɓasa ose aʋanakomana ʋaGershoni, ɀose ɀaʋanofanira kutakura neɀaʋanofanira kuɓata, ɀinofanira kurairwa naAroni naʋanakomana ʋake; munofanira kuʋagadza paɓasa raʋo rose rokutakura. Ndiro ɓasa remhuri dzaʋana ʋaGershoni patente rokusoŋgana; paɓasa raʋo rose ʋanofanira kurairwa naItamari, mŋanakomana waAroni muprista.
Kana ʋari ʋanakomana ʋaMerari, unofanira kuʋaʋereŋga nemhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo. Uʋereŋge ʋanamakore makumi matatu naʋanopfuʋura kuȿikira makore makumi mashanu, mumŋe nomumŋe, ʋose ʋanopinda paɓasa, kuɓate‐ɓasa retente rokusoŋgana. Ndiro ɓasa raʋo rokutakura, seɀaʋanofanira kuɓata mutente rokusoŋgana: Matanda etabernakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, neɀigadziko ɀayo; nembiru dzoruʋazhe rwakapotedza, neɀigadziko ɀadzo, nembambo dzadzo dzose, namaɓote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, neɀose ɀaʋanoɓata naɀo; unofanira kuʋatarira namazita aʋo nhumbi dzaʋanofanira kuceŋgeta pakutakura. Ndiro ɓasa remhuri dzaʋanakomana ʋaMerari, seɀaʋaifanira kuɓate‐ɓasa mutente rokusoŋgana, ʋacirairwa naItamari, mŋanakomana waAroni muprista.
Ɀino Mosesi naAroni namacinda eʋuŋgano ʋakaʋereŋga ʋanakomana ʋaKohati nemhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo; ʋakaŋga ʋanamakore makumi matatu naʋanopfuʋura kuȿikira pamakore makumi mashanu, mumŋe nomumŋe, ʋose ʋaifanira kupinda paɓasa, kuɓate‐ɓasa mutente rokusoŋgana; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari nemhuri dzaʋo ʋakaȿika ɀuru ɀiʋiri namazana manomŋe namakumi mashanu. Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa ʋemhuri dzaʋaKohati, ʋose ʋakaŋga ʋaciɓate‐ɓasa mutente rokusoŋgana, ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni, seɀakarairwa naJehova nomuromo waMosesi.
Ʋakaʋereŋgwa ʋaʋanakomana ʋaGershoni nemhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi matatu naʋanopfuʋura kuȿikira pamakore makumi mashanu, mumŋe nomumŋe waifanira kupinda paɓasa, kuɓate‐ɓasa mutente rokusoŋgana, ʋakaʋereŋgwa kwaʋari nemhuri dzaʋo nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋakaȿika ɀuru ɀiʋiri namazana matanhatu namakumi matatu. Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa ʋemhuri dzaʋana ʋaGershoni, ʋose ʋakaŋga ʋaciɓate‐ɓasa mutente rokusoŋgana, ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni, seɀakarairwa naJehova.
Ʋakaʋereŋgwa ʋemhuri dzaʋanakomana ʋaMerari, nemhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi matatu naʋanopfuʋura kuȿikira pamakore makumi mashanu, mumŋe nomumŋe waifanira kupinda paɓasa, kuɓate‐ɓasa mutente rokusoŋgana; Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari nemhuri dzaʋo, ʋakaȿika ɀuru ɀitatu namazana maʋiri. Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa ʋemhuri dzaʋanakomana ʋaMerari, ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni, seɀakarairwa naJehova nomuromo waMosesi.
Ɀino ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋaʋaRevi, ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni namacinda aIsraeri, nemhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi matatu naʋanopfuʋura, kuȿikira pamakore makumi mashanu, mumŋe nomumŋe waifanira kupinda kuzoɓate‐ɓasa, neɓasa rokutakura mitoro mutente rokusoŋgana, ʋakaʋereŋgwa kwaʋari vakaȿika ɀuru ɀisere namazana mashanu namakumi masere. Ʋakaʋereŋgwa seɀakarairwa naJehova nomuromo waMosesi, mumŋe nomumŋe paɓasa rake, napamutoro wake; ʋakaʋereŋgwa saiɀoɀo naye, seɀakarairwa Mosesi naJehova.