Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 9:2-13

Marko 9:2-13 SUB1949

Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane, akaenda naʋo kurutiʋi mugomo refu ʋari ʋoga; akashanduka pamberi paʋo. Ŋguʋo dzake dzikapenya, dzikacena ɀikuru; hakunomusuki pano panyika, uŋgagona kudzicenesa dzikaɗaro. Ipapo Eria naMosesi ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naJesu. Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi caanotaura, nokuti ʋakatya ɀikuru. Ɀino gore rikaʋuya rikaʋafukidza, inzwi rikaɓuɗa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, mumunzwei! Kamŋe, ʋakati ʋaciriŋgariŋga, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi anaʋo. Ɀino ʋakati ʋaciɓuruka mugomo, akaʋaraira kuti ʋarege kuʋudza munhu ɀaʋakaŋga ʋaʋona kuȿikira Mŋanakomana womunhu amuka kuʋakafa. Ʋakariceŋgeta shoko iro, ʋaciita nyaya pakati paʋo, kuti kumuka kwaʋakafa cinyiko? Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya? Akati kwaʋari: Eria ucataŋga kuʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose, asi kwakagonyorwa seiko ɀoMŋanakomana womunhu, kuti ucatambudzika ɀikuru nokuɀidzwa? Asi ndinoti kwamuri, Eria wakatoȿika, ʋakamuitira ɀose paʋakaŋga ʋaciɗa napo, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake.

Verenga chikamu Marko 9