Musatoŋga, kuti murege kutoŋgwa; nokuti nokutoŋga kwamunotoŋga nako, mucatoŋgwa nako, neciyero camunoyera naco, mucayerwa naco. Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, asi hauʋoni ɗanda riri muziso rako? Kana uŋgataura seiko kuhama yako, uciti: Rega, ndibvise ruɓanzu muziso rako, iɀo, ɗanda riri muziso rako? Iwe munyeŋgeri, taŋga kubvisa ɗanda muziso rako; ugoʋona kwaɀo kubvisa ruɓanzu muziso rehama yako.
Musapa imbga ɀinhu ɀitȿene, ʋuye, musakanda maparera enyu pamberi peŋguruʋe, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeʋuka dzikakubvamburai.
Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira unopiwa; unotȿaka unowana; unogogodza unozarurirwa. Munhu ndoupiko kwamuri, kana mŋanakomana wake akakumbira ciŋgwa, uŋgamupa ibge? Kana akakumbira hoʋe, uŋgamupa nyoka? Ɀino kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapfuʋurisa seiko kupa ɀinhu ɀakanaka iʋo ʋanokumbira kwaari! Saka ɀinhu ɀose ɀamunoɗa kuti ʋanhu ʋakuitirei, muʋaitire nemi ʋo saiɀoɀo, nokuti ndiwo murairo naʋaprofita.
Pindai nesuʋo rakamanikana; nokuti suʋo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; ʋanopinda naro ʋazhinji. Nokuti suʋo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuʋupenyu, ʋanoiwana ʋashoma.
Cenjerai ʋaprofita ʋenhema, ʋanoʋuya kwamuri ʋaneŋguʋo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. Mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo. Mazambiriŋga anombotanhwa paminzwa here, kana maʋonde parukato? Saiɀoɀo muti mumŋe nomumŋe wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka, asi muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa. Muti wakanaka hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakaipa, nomuti wakaipa hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka. Muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto. Saka mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo.
Haʋazi ʋose ʋanoti kwandiri, Ishe, Ishe, ʋacapinda muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoita kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Ʋazhinji ʋacati kwandiri nezuʋa iro: Ishe, Ishe, hatina‐kuprofita muzita renyu here? Nokudziŋga mŋeya yakaipa muzita renyu here? Nokuita maɓasa esimba mazhinji muzita renyu here? Ɀino ndicaʋaʋudza pacena: Handina‐kutoŋgokuziʋai; ibvai kwandiri, imi ʋaiti ʋokusarurama.