Mateo 6:24-34
Mateo 6:24-34 SUB1949
Hapano munhu uŋgaɓatira ʋatenzi ʋaʋiri; nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe. hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma. Saka ndinoti kwamuri: Regai kufuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, muciti, ndicadyei, kana ndicanwei; kana pamsoro pomuʋiri wenyu, muciti, ndicafukeiko? Ʋupenyu habgupfuʋuri ɀokudya here, kana muʋiri haupfuʋuri ɀokufuka here? Tarirai shiri dzokuɗeŋga, hadzidɀari, hadziceki, hadziʋuŋganidziri mumatura; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanodzipa ɀokudya. Imi hamudzipfuʋuri ɀikuru here? Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? Munofuŋganyireiko pamsoro peɀokufuka? Fuŋgai maruʋa eɓundo, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. Ɀino kana Mŋari acifukidza saiɀoɀo ʋuswa bgeɓundo, bguri’po nhasi, bgucikandirwa mucoto maŋgwana, haaŋgakufukidziyi nokupfuʋurisa imi ʋokutenda kuɗuku here? Naiɀoɀo musafuŋganya muciti: Ticadyei? Kana: Ticanwei? Kana: Ticafukeiko? Nokuti ʋahedeni ʋanotȿaka iɀoɀi ɀose, nokuti Ƃaba ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi ɀose. Asi taŋgai kutȿaka ʋushe bgaMŋari, nokururama kwake; iɀoɀi ɀose ɀicawedzerwa kwamuri. Naiɀoɀo musafuŋganya pamsoro peɀamaŋgwana; nokuti maŋgwana acaɀifuŋganyira ɀawo; zuʋa rimŋe nerimŋe rinokwanirwa nenhamo yaro.

