Mateo 22:15-21
Mateo 22:15-21 SUB1949
Ɀino ʋaFarise ʋakaenda kundoraŋgana kuti ʋaŋgamuɓata sei pakutaura kwake. Ʋakatuma kwaari ʋadzidzi ʋaʋo naʋaHerode, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; nokuti hamutariri ɀiri kunze kwomunhu. Ɀino tiʋudzei, munofuŋgeiko? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? Asi Jesu wakaziʋa kuipa kwaʋo, akati: Munondiidzireiko, imi ʋanyeŋgeri? Ndiratidzei mari yomutero. Ʋakaʋuya kwaari nedenari. Ɀino akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? Ʋakati kwaari: ⱿaKesari. Akati kwaʋari: Naiɀoɀo, ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari.

