Mateo 2:1-5
Mateo 2:1-5 SUB1949
Jesu wakati aɓerekwa paBetrehema reJudea, pamazuʋa amambo Herode, tarira, ʋacenjeri ʋakaȿika Jerusarema ʋacibva mabvazuʋa, ʋakati: Uripiko Mambo waʋaJuda wakaɀarwa? nokuti takaʋona nyeredzi yake kumabvazuʋa, taʋuya kuzomunamata. Mambo Herode aciɀinzwa, wakamanikidzwa, neJerusarema rose naye. Akakokera ʋaprista ʋakuru ʋose naʋanyori ʋaʋanhu, akaʋabvunza kuti Kristu ucaɓerekwepi. Ʋakati kwaari: PaBetrehema reJudea; nokuti ndiɀo ɀakanyorwa nomuprofita, ɀicinzi

