Jesu wakati aɓerekwa paBetrehema reJudea, pamazuʋa amambo Herode, tarira, ʋacenjeri ʋakaȿika Jerusarema ʋacibva mabvazuʋa, ʋakati: Uripiko Mambo waʋaJuda wakaɀarwa? nokuti takaʋona nyeredzi yake kumabvazuʋa, taʋuya kuzomunamata. Mambo Herode aciɀinzwa, wakamanikidzwa, neJerusarema rose naye. Akakokera ʋaprista ʋakuru ʋose naʋanyori ʋaʋanhu, akaʋabvunza kuti Kristu ucaɓerekwepi. Ʋakati kwaari: PaBetrehema reJudea; nokuti ndiɀo ɀakanyorwa nomuprofita, ɀicinzi:
Newe Betrehema, nyika yeJudea,
Hauzi muɗuku kwaɀo kuʋaɓati ʋaJuda;
Nokuti kwauri Kucaɓuɗa Mutuŋgamiriri,
Ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri.
Ɀino Herode wakaɗana ʋacenjeri, ʋari ʋoga, akaʋabvunzisisa ŋguʋa yakaʋonekwa nyeredzi nayo, akaʋatuma Betrehema, akati: Endai munatsobvunzisisa ɀomŋana; kana mamuwana, mundiʋudze, kuti neni ʋo ndiʋuye kuzomunamata. Ʋakati ʋanzwa mambo, ʋakaenda; ɀino, tarira, nyeredzi yaʋakaŋga ʋaʋona kumabvazuʋa, yakaʋatuŋgamirira, kuȿikira yandomira pamsoro peimba pakaŋga panomŋana. Ʋakati ʋaʋona nyeredzi. ʋakafara nomufaro mukuru‐kuru. Ʋakapinda mumba, ʋakawana mŋana naMaria mai ʋake; ʋakawira pasi, ʋakamunamata; ʋakasunuŋgura fuma yaʋo, ʋakamupa ɀipo ɀendarama, neɀinonhuwira, nemura. Ʋakati ʋanyeʋerwa pakurota naMŋari, kuti ʋarege kudzokera kunaHerode, ʋakaenda kunyika yaʋo neimŋe nzira.
Ʋakati ʋaenda, tarira, mutumŋa waShe wakaʋonekwa naJosefa pakurota, aciti: Simuka, utore mŋana namai ʋake, utizire Egipita, ugare’ko kuȿikira ndicikuʋudza; nokuti Herode ucatȿaka mŋana kuti amuʋuraye. Akasimuka, akatora mŋana namai ʋake ʋusiku, akaenda Egipita, akagara’ko kuȿikira Herode afa, kuti ɀiitike ɀakarebga naShe nomuromo womuprofita, aciti: Ndakaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita.