Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 17:1-13

Mateo 17:1-13 SUB1949

Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna wake, akaenda naʋo mugomo refu ʋari ʋoga. Akashanduka pamberi paʋo; ciso cake cikapenya sezuʋa, ŋguʋo dzake dzikacena seciedza. Pakarepo Mosesi naEria ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naye. Ɀino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, ɀakanaka ɀatiri pano; kana muciɗa, ndicaʋaka matumba matatu pano, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. Wakati acataura naʋo, tarira, gore rinobginya rikaʋafukidza; inzwi rikabʋa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira, mumunzwei. Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakatya ɀikuru. Jesu akasweɗera, akaʋaɓata, akati: Simukai, musatya. Ʋakati ʋacitarira, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi. Ɀino ʋakati ʋaciɓuruka mugomo, Jesu akaʋaraira, akati: Musaʋudza munhu ɀamaratidzwa, kuȿikira Mŋanakomana womunhu amuka kuʋakafa. Ʋadzidzi ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko, ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya? Akapindura, akati: Eria ucaʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose. Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatoȿika, asi haʋana‐kumuziʋa; asi ʋakamuitira paʋakaɗa napo. Saiɀoɀo ʋo Mŋanakomana womunhu ucabva wotambudzwa naʋo. Ɀino ʋadzidzi ʋakanzwisisa kuti wakaʋaʋudza ɀaJohane Mubapatidzi.

Verenga chikamu Mateo 17