Mateo 16:21-25
Mateo 16:21-25 SUB1949
Kubva paŋguʋa iyo Jesu wakataŋga kuratidza ʋadzidzi ʋake, kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa ɀizhinji naʋakuru naʋaprista ʋakuru naʋanyori, nokuʋurawa, nokumutswa ɀe nezuʋa retatu. Petro akaenda naye ʋari ʋoga, akataŋga kumuraira, akati: Mŋari ŋgaakunzwirei ŋgoni, Ishe! hamuŋgaitirwi iɀoɀo. Asi wakatendeʋuka, akati kunaPetro: Ibva shure kwaŋgu, Satani! Uri cigumbuso kwandiri, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu. Ɀino Jesu akati kuʋadzidzi ʋake: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake, anditeʋere. Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi aninani unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana.

