Mateo 14:13-20
Mateo 14:13-20 SUB1949
Jesu wakati aɀinzwa, akabva’po negwa, akaenda kurenje ari oga. Ɀino ʋanhu ʋaciɀinzwa, ʋakabva kumaguta, ʋakamuteʋera netsoka. Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, akaporesa ʋarwere ʋaʋo. Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano irenje, zuʋa roɗa kuʋira, endisai ʋanhu ʋazhinji, ʋaende kumisha, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya. Asi Jesu wakati kwaʋari: Haʋafaniri haʋo kuenda; imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. Ʋakati kwaari: Hatinecinhu pano, asi ɀiŋgwa ɀishanu ɓedzi nehoʋe mbiri. Iye akati: Ʋuyai naɀo ʋuno kwandiri Akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi paʋuswa, akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, ndokutarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu anegumi namaʋiri azere.

