Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12:1-21

Mateo 12:1-21 SUB1949

Neŋguʋa iyo Jesu wakafamba napakati peminda yeɀiyo nomusi wesaɓata; ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋanenzara, ʋakataŋga kutanha hura, ʋacidya. ƲaFarise ʋakatiʋaciɀiʋona, ʋakati kwaari: Tarira, ʋadzidzi ʋako ʋanoita ɀisina‐kutenderwa nomusi wesaɓata. Asi wakati kwaʋari: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye; kuti wakapinda mumba maMŋari, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza, ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa naye, naʋaiʋa naye, asi naʋaprista ɓedzi? Ko hamuna‐kuraʋa pamurairo, kuti nesaɓata ʋaprista ʋanoputsa murairo wesaɓata mutembere, ʋasinemhoȿa? Asi ndinoti kwamuri: Unokurira tembere uri pano. Asi ɗai maiziʋa kuti ɀinoti kuɗini kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro, muŋgaɗai musina‐kutoŋga ʋasinemhoȿa. Nokuti Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo. Wakabva’po, akapinda musinagoge raʋo. Ɀino tarira, kwakaŋga kunomunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ɀakatenderwa kuporesa nesaɓata here? kuti ʋamupomere mhoȿa. Akati kwaʋari: Ndiani kwamuri uŋgaʋa negwai rimŋe, kana rikawira mugomba nesaɓata, uŋgarega kuriɓata akariɓuɗisa here? Munhu unopfuʋura gwai ɀikuru sei! Saka ɀakatenderwa kuita ɀakanaka nesaɓata. Ɀino akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako! Akarutambanudza, rukaʋandudzwa, rukaʋa sorumŋe. Ɀino ʋaFarise ʋakaɓuɗa, ʋakaraŋgana pamsoro pake, kuti ʋaŋgamuʋuraya sei. Jesu wakati aciɀiziʋa, akabva’po; ʋanhu ʋazhinji ʋakamuteʋera, akaʋaporesa ʋose, akaʋaraira kuti ʋarege kumuziʋisa pacena, kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Tarira, muranda waŋgu wandakasanaŋgura; Muɗikanwa waŋgu, unofarirwa nomŋeya waŋgu: Ndicaisa Mŋeya waŋgu pamsoro pake, Iye ucaziʋisa ʋahedeni kutoŋga. Haaŋgarwi, haaŋgaiti mhere‐mhere; Hakunomunhu ucanzwa inzwi rake munzira dzomumusha. Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni, Nomŋenje unopxititika haangaudzimi, Kuȿikira acituma kutoŋga kuti kukunde. Ʋahedeni ʋacaita zita rake tariro yaʋo.

Verenga chikamu Mateo 12