Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 4:1-13

Ruka 4:1-13 SUB1949

Ɀino Jesu azere noMŋeya Mutȿene, wakadzoka ɀe acibʋa paJordani, akatuŋgamirirwa noMŋeya murenje aciidzwa naDiaborosi mazuʋa anamakumi manna. Wakaŋga asiŋgadyi cinhu namazuʋa iwayo; ɀino akati apera, akaziya. Ɀino Diaborosi akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ʋudza ibge iri kuti riʋe ciŋgwa. Jesu akamupindura, akati: Kwakanyorwa kuti munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi. Ɀino akamutuŋgamirira kumsoro, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika neŋguʋa ɗuku‐ɗuku. Diaborosi akati kwaari: Ndicakupa simba iri rose nokubginya kwaɀo, nokuti ndakabgupiwa ini, kuti ndibgupe wandinoɗa. Ɀino, iwe, kana ukandinamata, ɀose ɀicaʋa ɀako. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. Akaenda naye Jerusarema, akamuisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi pano; Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, kuti ʋakuceŋgete; Pamaʋoko aʋo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mŋari wako. Diaborosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kuȿikira imŋe ŋguʋa.

Verenga chikamu Ruka 4