Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 14:14-35

Ruka 14:14-35 SUB1949

Ipapo ucaropafadzwa, ɀaʋasinaɀaʋaŋgakuripira naɀo, nokuti ucaripirwa pakumuka kwaʋakarurama. Mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya wakati aciɀinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo ucadya ɀokudya paʋushe bgaMŋari! Iye akati kwaari: Mumŋe munhu wakagadzira cirayiro cikuru, akakokera ʋazhinji. Akatuma muranda wake neŋguʋa yokurayira kuti aʋudze ʋakaŋga ʋakakokerwa, kuti: Ʋuyai, nokuti ɀose ɀagadzirwa ɀino. Ipapo ʋose ʋakataŋga nomŋoyo mumŋe kuɀireʋera. Wokutaŋga akati kwaari: Ndateŋga munda, ndinofanira kumbondouʋona; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndateŋga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndawana mukadzi, naiɀoɀo handiŋgaʋuyi. Muranda akaʋuya, akaʋudza ishe wake iɀoɀo. Ipapo mŋene weimba akatsamŋa, akati kumuranda wake: Kurumidza, uɓuɗe kunzira huru neɗuku dzomumusha, uʋuye pano naʋarombo, neɀirema, namapofu, naʋanokamhina. Muranda akati: Ishe, iɀo ɀamaraira, ɀaitwa, asi nɀimbo ici’po. Ishe akati kumuranda: Ƃuɗa kunzira nokuʋuzhowa, uʋagombedzere ʋapinde, imba yaŋgu izare. Nokuti ndinoti kwamuri: Hakunomumŋe kunaʋarume aʋo ʋandakokera, ucaraʋira cirayiro caŋgu. Ɀino ʋazhinji‐zhinji ʋakafamba naye; akatendeʋuka, akati kwaʋari: Kana munhu aciʋuya kwandiri, asiŋgaʋeŋgi ɓaɓa ʋake namai, nomukadzi, naʋana, naʋanuŋuna, nehanɀadzi, kunyaŋge noʋupenyu bgake ʋo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. Aninani usiŋgatakuri mucinjikwa wake, akaʋuya shure kwaŋgu, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. Nokuti ndiani kwamuri, kana aciɗa kuʋaka ȿiŋgo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaʋereŋga kukosha kwayo, kuʋona kana anemari yokuipedzisa nayo? Kuti ɀimŋe kana ataŋga nheyo, akakoniwa kupedzisa, ʋose ʋanoɀiʋona, ʋasataŋga kumuseka, ʋaciti: Uyu munhu wakataŋga kuʋaka, akakoniwa kupedzisa. Kana ndoupiko mambo, kana acienda kundorwa nomumŋe mambo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaraŋgarira kana iye, unaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi, aŋgagona kundosoŋgana nounoʋuya kuzorwa naye, anaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinamakumi maʋiri? Kana asiŋgagoni, unotuma nhume, iye aciri kure, kundokumbira mashoko orugare. Saiɀoɀo ʋo, aninani kwamuri usiŋgasiyi ɀose ɀaanaɀo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu. Munyu wakanaka; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? Haucineɓasa pamunda, kana paɗutu romupfudze; ʋanourashira kunze. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.

Verenga chikamu Ruka 14