Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:13-40

Ruka 12:13-40 SUB1949

Ɀino mumŋe pakati paʋazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, ʋudzai munuŋuna waŋgu kuti agoʋane nhaka neni. Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutoŋgi kana mugoʋeri pakati penyu? Akati kwaʋari: Cenjerai, muɀiceŋgete pakuciʋa kwose, nokuti ʋupenyu bgomunhu habguzi paɀinhu ɀakawanda ɀaanaɀo. Akaʋataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumŋe mufumi yakaŋga yaɓereka kwaɀo; akafuŋga mumŋoyo make, akati: Ndicaita seiko? Nokuti handina‐pandiŋgaʋuŋganidzira ɀiɓereko ɀaŋgu. Akati: Ndicaita kuɗai: Ndicaputsa matura aŋgu, ndikaʋaka makuru; ndicaʋuŋganidzira’po ɀiyo ɀaŋgu, neɀose ɀaŋgu ɀakanaka, ndigoti kumŋeya waŋgu: Mŋeya, uneɀakawanda ɀakanaka, ɀakaʋigirwa makore mazhinji; zorora, udye, unwe, ufare. Asi Mŋari akati kwaari: Iwe ɓenzi, noʋusiku ubgu ʋacakutorera mŋeya wako; iɀo ɀawagadzira, ɀicagoʋa ɀani? Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀiʋuŋganidzira fuma, asiŋgafumi kunaMŋari. Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Musafuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, kuti mucadyei, kana pamsoro pomuʋiri wenyu, kuti mucapfekei? Nokuti ʋupenyu bgunopfuʋura ɀokudya, nomuʋiri unopfuʋura ɀokupfeka. Fuŋgai makuŋguʋu, kuti haadɀari, haaceki, haanetsapi kana ɗura; asi Mŋari unoapa ɀokudya. Imi munokunda shiri ɀikuru sei! Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? Ɀino kana imi musiŋgagoni kuita cinhu ciɗuku, munofuŋganyireiko pamsoro peɀimŋe? Fuŋgai maruʋa, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. Ɀino kana Mŋari acipfekedza saiɀoɀo ʋuswa bgenyika, bguri’po nhasi, maŋgwana bgokandirwa mucoto, haaŋgakupfekedziyi nokupfuʋurisa, imi ʋokutenda kuɗuku here? Imi musatȿaka ɀamucadya, neɀamucanwa; musaɀidya mŋoyo. Nokuti ɀinhu iɀoɀi ɀose ɀinotȿakwa naʋahedeni; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi. Asi tȿakai ʋushe bgaʋo, naiɀoɀo ɀose mucaɀiwedzerwa. Musatya henyu, imi kapoka kaɗuku, nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanofara nokukupai ʋushe. Teŋgesai ɀamunaɀo, mupe ɀipo; muɀiitire ɀikwama ɀisiŋgasakari, fuma isiŋgaperi kuɗeŋga, pasiŋgaȿiki mbava, pasiŋgaparadzi ɀipfunho. Nokuti panefuma yenyu, nomŋoyo wenyu ucaʋa’po ʋo. Ɀiʋuno ɀenyu ŋgaɀigare ɀakasuŋgwa, nemŋenje yenyu ipfute. Nemi muʋe saʋanhu ʋakarindira ishe waʋo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akaȿika, akagogodza, ʋamuzarurire pakarepo. Ʋakaropafadzwa ʋaranda aʋo, ʋanoti, kana ishe aciȿika, unoʋawana ʋakarindira. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ucaɀisuŋga ciʋuno iye, akaʋagarisa pakudya, akaʋuya akaʋashandira. Kana akaȿika neŋguʋa yokurindira yecipiri, kana yecitatu yoʋusiku, akaʋawana ʋakaɗaro, ʋakaropafadzwa ʋaranda iʋaʋo. Asi muziʋe iɀi, kuti ɗai mŋene weimba aiziʋa ŋguʋa inoʋuya nayo mbava, haazaitendera kuti imba yake ipazwe. Nemi ʋo mugare makaɀigadzira, nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yamusiŋgafuŋgi.

Verenga chikamu Ruka 12