Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 6:2-5

Joshua 6:2-5 SUB1949

Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Tarira, ndakapa mumaʋoko ako Jeriko, namambo waro, naʋarume ʋaro ʋanesimba noʋumhare. Munofanira kukomba guta, imi ʋarume ʋose ʋehondo, mupoteredze guta kamŋe cete. Unofanira kuita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu. Ʋaprista ʋanomŋe ʋanofanira kufamba pamberi peareka ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge; nomusi wecinomŋe munofanira kupoteredza guta kanomŋe, ʋaprista ʋaciridza hwamanda. Ɀino kana ʋoridzisa norunyaŋga rwegondobge, kana imi mucinzwa kurira kwehwamanda, ipapo ʋanhu ʋose ʋanofanira kuɗanidzira nokuɗanidzira kukuru; ipapo ruȿiŋgo rweguta rucakoromoka cose, naʋanhu ʋanofanira kupinda, mumŋe nomumŋe ipapo pakaruramana naye.

Verenga chikamu Joshua 6