Joshua 24:15
Joshua 24:15 SUB1949
Kana muciti ɀakaipa kushumira Jehova, ɀitsaurirei nhasi wamunoɗa kushumira, kana ʋamŋari ʋaishumirwa namadziɓaɓa enyu mhiri kwoRwizi, kana ʋamŋari ʋaʋaAmori ʋamugere munyika yaʋo; asi kana ndirini naʋeimba yaŋgu ticashumira Jehova.

