Jona 4:9-11
Jona 4:9-11 SUB1949
Mŋari akati kunaJona: Ɀakanaka here ɀawatsamŋira mucindwe? Akati: Ɀakanaka kuti nditsamŋe, kuȿikira parufu pamene. Jehova akati: Iwe wakaŋga unetsitsi nomuti womucindwe wausina‐kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera noʋusiku ʋumŋe, ukaparara ɀe noʋusiku ʋumŋe; ko ɀino ini handizaifanira kuʋa netsitsi neNineve, riya guta guru, munaʋanhu ʋanopfuʋura ɀuru ɀinezana namakumi maʋiri, ʋasiŋgaziʋi kuti ruʋoko rwaʋo rworudyi kana ruʋoko rwaʋo rworuɓoshwe ndorupi, ʋuye ɀipfuwo ɀizhinji here?

