Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jona 4:9-11

Jona 4:9-11 SUB1949

Mŋari akati kunaJona: Ɀakanaka here ɀawatsamŋira mucindwe? Akati: Ɀakanaka kuti nditsamŋe, kuȿikira parufu pamene. Jehova akati: Iwe wakaŋga unetsitsi nomuti womucindwe wausina‐kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera noʋusiku ʋumŋe, ukaparara ɀe noʋusiku ʋumŋe; ko ɀino ini handizaifanira kuʋa netsitsi neNineve, riya guta guru, munaʋanhu ʋanopfuʋura ɀuru ɀinezana namakumi maʋiri, ʋasiŋgaziʋi kuti ruʋoko rwaʋo rworudyi kana ruʋoko rwaʋo rworuɓoshwe ndorupi, ʋuye ɀipfuwo ɀizhinji here?

Verenga chikamu Jona 4