Jesu aciziʋa kuti Ƃaɓa ʋakamupa ɀinhu ɀose mumaʋoko ake, ʋuye kuti wakabva kunaMŋari, ʋuye kuti unoenda kunaMŋari; akasimuka pakurayira, akabvisa ŋguʋo dzake, akatora muceka, akaɀisuŋga ciʋuno. Ɀino akaɗira mvura mumudziyo, akataŋga kushambidza tsoka dzaʋadzidzi ʋake, akadzipisika nomuceka, waakaŋga akaɀisuŋga nawo. Akaȿika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzaŋgu kanhi? Jesu akapindura, akati kwaari: Candinoita hauciziʋi ɀino; asi ucaɀinzwisisa pashure. Petro akati kwaari: Hamuŋgatoŋgoshambidzi tsoka dzaŋgu nokusiŋgaperi. Jesu akamupindura, akati: Kana ndisiŋgakushambidzi, haunomugoʋe neni. Simoni Petro akati kwaari: Dzirege kuʋa tsoka dzaŋgu dzoga, asi maʋoko aŋgu nomusoro waŋgu ʋo. Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa muʋiri wose, unofanira kwoga kuti ashambidzwe tsoka dzake, ɀino wanaka kwaɀo; imi makanaka, asi hamuzi mose. Nokuti wakaŋga aciziʋa uyo waizomupandukira, saka akati: Hamuna‐kunaka mose.
Ɀino wakati ashambidza tsoka dzaʋo, akatora ŋguʋo dzake, akagara ɀe, akati kwaʋari: Munoziʋa ɀandakakuitirai here? Munondiidza Mudzidzisi, ʋuye Ishe; munoreʋa ɀakanaka, nokuti ndini iye. Ɀino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi ʋo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi seɀandakakuitirai ini. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kunashe wake, ʋuye wakatumŋa mukuru kunowakamutuma. Kana muciɀiziʋa iɀi, makaropafadzwa kana muciɀiita.