Johane 12:1-7
Johane 12:1-7 SUB1949
Ɀino mazuʋa matanhatu paseka icigere kuȿika, Jesu wakaȿika Betania, paiʋa naRazaro, wakaɗeya kumutswa naJesu kuʋakafa. Ʋakamuitira’po cirayiro; Marta akaʋashandira; naRazaro wakaŋga ari mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya. Ɀino Maria akatora paundi yamafuta enardo, anomuteŋgo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapisika tsoka dzake nevudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. Ipapo mumŋe waʋadzidzi ʋake, Judasi Iskarioti, wakaŋga acazomupandukira, akati: Mafuta awa akaregereiko kuteŋgeswa namadenari mazana matatu, akapiwa ʋarombo? Asi haana‐kureʋa iɀoɀo kuri kuti wakaraŋgarira ʋarombo, asi nokuti waiʋa mbava; waigara necikwama, acisiɓa ɀaiiswa’mo. Asi Jesu wakati: Muregei, aɀiceŋgetere zuʋa rokuʋigwa kwaŋgu.


