Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 39

39
Jerusarema rinokundwa naʋaKardea.
1Ɀino Jerusarema rakati rakundwa, negore repfumbamŋe raZedekia mambo waJuda, nomŋedzi wegumi, Nebukadrezari mambo weBabironi akaʋuya nehondo yake yose kuzorwa neJerusarema, ndokurikomba. 2Ɀino negore regumi nerimŋe raZedekia, nomŋedzi wecinna, nezuʋa repfumbamŋe romŋedzi ʋakakoromora ruȿiŋgo rweguta, 3macinda ose amambo weBabironi akapinda, akagara pasi musuʋo rapakati, ʋaiti Nergari‐sharezeri, naSamgari‐nebo, naSarsekimi mukuru waʋaranda, naNergari‐sharezeri mukuru weŋaŋga, pamŋe cete namacinda ose amambo weBabironi. 4Ɀino Zedekia mambo waJuda naʋarwi ʋose ʋakati ʋaciʋaʋona ʋakatiza, ʋakaɓuɗa muguta ʋusiku, ʋacienda nenzira yokumunda wamambo, napasuʋo raiʋa pakati pamaȿiŋgo maʋiri; akaɓuɗa acienda kumapani. 5Asi hondo yaʋaKardea yakadziŋgana naʋo, ʋakaɓata Zedekia pamapani eJeriko; ɀino ʋakati ʋamuɓata, ʋakaenda naye kunaNebukadrezari mambo weBabironi paRibra munyika yeHamati, iye akamutoŋga. 6Ipapo mambo weBabironi akaʋuraya ʋanakomana ʋaZedekia paRibra iye akataririra; ʋuye mambo weBabironi wakaʋuraya ʋo ʋakuru ʋose ʋaJuda. 7Akatumbura ʋo meso aZedekia, akamusuŋga namaketani kuti amuise Babironi. 8ƲaKardea ʋakapisa imba yamambo, nedzimba dzaʋanhu nomŋoto, ʋakakoromora maȿiŋgo eJerusarema. 9Ipapo Nebuzaradani mukuru waʋarindi akatapa ʋanhu ʋakaŋga ʋasara muguta, naʋashanduki ʋakaŋga ʋaʋuya kwaari, naʋamŋe ʋanhu ʋakaŋga ʋasara, akaʋaisa Babironi. 10Asi Nebuzaradani mukuru waʋarindi wakasiya munyika yaJuda ʋamŋe ʋarombo ʋaʋanhu, ʋakaŋga ʋasinecinhu, akaʋapa minda yemizambiriŋga nemimŋe minda neŋguʋa iyo. 11Nebukadrezari mambo weBabironi akaraira Nebuzaradani mukuru waʋarindi pamsoro paJeremia, aciti: 12Mumuɓate, mumuceŋgete ɀakanaka, murege kumuitira cakaipa; asi mumuitire seɀaanotaura kwamuri. 13Naiɀoɀo Nebuzaradani mukuru waʋarindi akatuma nhume, naNebushazibani, mukuru waʋaranda, naNergari‐sharezeri mukuru weŋaŋga, naʋatariri ʋakuru ʋose ʋamambo weBabironi, 14iʋo ʋakatuma nhume, ʋakandotora Jeremia muruʋazhe rwaʋarindi, ʋakamuisa kunaGedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naiɀoɀo wakagara pakati paʋanhu.
15Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaJeremia, paŋguʋa yaakaŋga akapfigirwa muruʋazhe rwaʋarindi, riciti: 16Enda, utaure naEbedi‐mereki muEtiopia, uti: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tarira, ndicaitira guta rino seɀandakareʋa, ndicariitira ɀakaipa, handiŋgariitiri ɀakanaka; ɀicaitika nezuʋa iro iwe uciɀiʋona. 17Asi iwe ndicakurwira nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; iwe hauŋgaiswi mumaʋoko aʋanhu ʋaunotya. 18Nokuti ɀirokwaɀo ndicakuponesa, hauŋgaʋurawi nomunondo, asi ʋupenyu bgako ʋucaʋa kwauri cinhu cakapambga, ɀawakaʋimba neni — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 39: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda