Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari; ʋakarasha Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaŋga aʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, ʋakaʋafugamira, ʋakatsamŋisa Jehova. Ʋakarasha Jehova, ʋakashumira Baari neAshtaroti. Kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri, akaʋaisa mumaʋoko aʋaparadzi ʋakaʋaparadza, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo. Pose‐pose paʋaienda, ruʋoko rwaJehova rwairwa naʋo nokuʋaitira ɀakaipa, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova, ʋuye seɀaʋakaŋga ʋapikirwa naJehova; ʋakatambudzika kwaɀo. Ɀino Jehova akamutsa ʋatoŋgi, ʋaiʋarwira mumaʋoko aʋaiʋaparadza. Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera ʋatoŋgi ʋaʋo, nokuti ʋakapata ʋaciteʋera ʋamŋe ʋamŋari, ʋakaʋafugamira; ʋakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madziɓaɓa aʋo, ʋaiterera mirairo yaJehova; asi iʋo haʋana‐kuita saiɀoɀo. Ɀino Jehova waiti kana aciŋge aciʋamutsira mutoŋgi, Jehova waiʋa nomutoŋgi uyo, ndokuʋarwira pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo mazuʋa ose omutoŋgi uyo; nokuti Jehova wakaɀiɗemba pamsoro pokugomba kwaʋo nokuɗa kwaʋaiʋamanikidza nokuʋanetsa. Asi kana mutoŋgi afa, ʋakadzoka ɀe, ʋakaita ɀakaipa kupfuʋura madziɓaɓa aʋo, pakuteʋera ʋamŋe ʋamŋari, nokuʋashumira, nokuʋafugamira; haʋana‐kurega maɓasa aʋo kana mufambire wemŋoyo yaʋo mikukutu.
Verenga chikamu Ʋatoŋgi 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ʋatoŋgi 2:11-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo