Ɀino mutumŋa waJehova wakabva Girgari, akaenda Bokimi, akati: Ndakakuɓuɗisai muEgipita, ndikakuȿitsai panyika yandakapikira madziɓaɓa enyu, ndikati: Handiŋgatoŋgoputsi suŋgano yaŋgu nemi nokusiŋgaperi; nemi hamufaniri kuita suŋgano naʋanhu ʋagere panyika ino; munofanira kuputsa artari dzaʋo. Asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu; makaitireiko iɀoɀo? Saka ini ndakati ʋo: Handiŋgaʋadziŋgi pamberi penyu; asi ʋacaʋa seminzwa kunhiʋi dzenyu, naʋamŋari ʋaʋo ʋacaʋa ɀisuŋgo kwamuri. Ɀino mutumŋa waJehova wakati ataura mashoko iwayo kuʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋanhu ʋose ʋakacema kwaɀo. Ipapo ʋakatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Bokimi, ʋakaɓayira’po Jehova.
Ɀino Joshua wakati aendisa ʋanhu, ʋana ʋaIsraeri ʋakaenda mumŋe nomumŋe kunhaka yake, kuti ʋagare panyika yaʋo. Ʋanhu ʋakashumira Jehova mazuʋa ose aJoshua, namazuʋa ose aʋakuru ʋakaŋga ʋaciri ʋapenyu Joshua atofa, iʋo ʋakaŋga ʋaʋona maɓasa makuru akaŋga aitirwa ʋaIsraeri naJehova. Ɀino Joshua mŋanakomana waNuni, muranda waJehova akafa, aʋa namakore anezana negumi. Ʋakamuʋiga panyika yenhaka yake paTimnati‐heresi, panyika yamakomo yaEfraimi, necokumsoro kwegomo reGaashi. Ɀino ʋorudzi urwo rwose ʋakasoŋganiswa namadziɓaɓa aʋo, rumŋe rudzi rukamuka shure kwaʋo rwakaŋga rusiŋgaziʋi Jehova, kana ɓasa raakaitira ʋaIsraeri.
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari; ʋakarasha Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaŋga aʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, ʋakaʋafugamira, ʋakatsamŋisa Jehova. Ʋakarasha Jehova, ʋakashumira Baari neAshtaroti. Kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri, akaʋaisa mumaʋoko aʋaparadzi ʋakaʋaparadza, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo. Pose‐pose paʋaienda, ruʋoko rwaJehova rwairwa naʋo nokuʋaitira ɀakaipa, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova, ʋuye seɀaʋakaŋga ʋapikirwa naJehova; ʋakatambudzika kwaɀo.