Jakobo 4:4-5
Jakobo 4:4-5 SUB1949
Imi ʋoʋutere, hamuziʋi here kuti ʋushamŋari bgenyika bgunoʋeŋgana naMŋari? Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe, unoɗa kuʋa shamŋari yenyika, unoɀiita muʋeŋgi waMŋari. Munofuŋga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruciti: Mŋeya, waakagarisa mukati meɗu unotishuʋa negoɗo?

