Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobo 1:23-27

Jakobo 1:23-27 SUB1949

Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoʋona ciso cake, caakaɓerekwa naco, muciʋoniʋoni. Nokuti unoɀiʋona, ndokuenda, ndokukaŋganwa pakarepo kuti wakaɗini iye. Asi munhu unocerekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunuŋgurwa, akaramba aciɗaro, asati ari munzwi, unokaŋganwa, asi muiti weɓasa, iye ucaropafadzwa paneɀaanoita. Kana munhu aciti ndinonamata Mŋari, asiŋgadzori rurimi rwake, asi acinyeŋgera mŋoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo. Kunamata, kwakarurama, kusinemhoȿa pamberi paMŋari weɗu naƂaɓa, ndiko kufambira nherera necirikadzi pakutambudzika kwaʋo, nokuɀiceŋgeta, kuti arege kuȿiɓiswa nenyika.

Verenga chikamu Jakobo 1