Tarirai kumsoro nameso enyu, muʋone kuti ndiani wakasika iɀoɀi, unoɓuɗisa hondo yaɀo yakawanda; iye unoɀiɗana ɀose namazita aɀo; nokuɗa kwoʋukuru bgesimba rake, ʋuye ɀaari mukuru pakusimba kwake, hakune‐cimŋe cinoshaikwa. Unoreʋereiko, iwe Jakobo, unotaurireiko iwe Israeri, uciti: Nzira yaŋgu haizikanwi naJehova, Mŋari waŋgu unondiɗarika asiŋgandiruramisiri? Hauna‐kuziʋa here? Hauna‐kunzwa here? Mŋari usiŋgaperi, Jehova, Musiki wamatiʋi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadziŋgazikanwi. ʋanoziya unoʋapa simba; unoshaiwa simba unomuwedzera simba rake. Kunyaŋge naʋakomana ʋacaziya nokuneta, namajaya acawira pasi cose; asi ʋanomirira Jehova ʋacawana simba idɀa; ʋacabururuka namapapiro samakondo, ʋacamhanya ʋasiŋganeti, ʋacafamba ʋasiŋgaziyi.
Verenga chikamu Isaya 40
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 40:26-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo