Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaHeberu 6:10-19

ƲaHeberu 6:10-19 SUB1949

Nokuti Mŋari haazati ari usakarurama, uŋgakaŋganwa ɓasa renyu noruɗo rwamakaratidza nokuɗa kwezita rake, ɀamakashumira ʋatȿene, muciʋashumira naɀino. Ɀino tinoɗa kuti mumŋe nomumŋe wenyu ashiŋgaire saiɀoɀo, kuti muʋe netariro yakakwana kuȿikira pakuguma. Kuti murege kuʋa noʋusimbe, asi muʋe ʋateʋeri ʋaiʋo ʋanodya nhaka yeɀipikirwa nenzira yokutenda nokutsuŋgirira. Nokuti Mŋari pakupikira Abrahama, wakapika naiye amene, nokuti wakaŋga asinomukuru kwaari waaŋgapika naye, akati: Ɀirokwaɀo nokuropafadza ndicakuropafadza, nokuwanza ndicakuwanza. Nokuɗaro, wakati atsuŋgirira, akawana cipikirwa. Nokuti ʋanhu ʋanopika nomukuru kwaʋari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakaʋa rose pakati paʋo. Saiɀoɀo Mŋari wakati aciɗa ɀikuru kuratidza ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa, kuti cireʋo cake hacishandurwi, wakapinda pakati nokupika; kuti neɀinhu ɀiʋiri ɀisiŋgashandurwi, ( nokuti paɀiri Mŋari haagoni kureʋa nhema), tiʋe nesimbiso yakaɓata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi peɗu, kuti tiiɓate; yatinayo seciɓatiso coMŋeya, tariro isiŋgazunuŋguswi, yakasimba, inopinda kuneɀiri mukati mecidzitiro cetembere

Verenga chikamu ƲaHeberu 6