Nokuti murairo ɀaunomumvuri weɀinhu ɀakanaka ɀinoʋuya usati uri mufananidzo caiwo weɀinhu iɀoɀo, hauŋgatoŋgogoni kukwanisa aʋo ʋanosweɗera gore rimŋe nerimŋe naiɀoɀo ɀiɓayiro ɀaʋanoramba ʋaciɓayira Mŋari. ɗai ɀakaŋga ɀakaɗaro, ɀiŋgaɗai ɀisina‐kupera kuɓayirwa here? Nokuti ʋanonamata, kana ʋakaŋga ʋanatswa kamŋe cete, ʋaŋgaɗai ʋasina‐kuzoyeʋudzwa ɀiʋi ɀaʋo. Asi neɀiɓayiro iɀoɀi ʋanoyeʋudzirwa ɀiʋi gore rimŋe nerimŋe. Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritoŋgogoni kubvisa ɀiʋi. Saka pakuȿika kwake panyika, unoti:
Ciɓayiro necipo makaɀiramba,
Asi makandigadzirira muʋiri;
hamuna‐kuɗa ɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi;
Ɀino ndikati: Tarirai, ndaʋuya,
(Pabuku yakapetwa pakanyorwa ɀaŋgu)
Kuti ndiite kuɗa kwenyu, imi Mŋari.
Ɀaanoti pakutaŋga: Ɀiɓayiro neɀipo, neɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi hamuna‐kuɀiɗa, hamuna‐kufadzwa naɀo (ɀiri iɀo ɀinoɓayirwa Mŋari seɀinoreʋa murairo), ndokuzoti: Tarirai, ndaʋuya kuzoita kuɗa kwenyu. Unobvisa cokutaŋga, kuti aise cecipiri. Nokuɗa ikoku takaitwa ʋatȿene neciɓayiro comuʋiri waJesu Kristu, cakaɓayirwa kamŋe cete. Muprista mumŋe nomumŋe unomira zuʋa rimŋe nerimŋe acishumira, nokuɓayira kazhinji ɀiɓayiro iɀoɀo ɀimŋe‐ɀimŋe, ɀisiŋgagoni kubvisa ɀiʋi; asi iye wakati aɓayira ciɓayiro cimŋe cete pamsoro peɀiʋi, akagara nokusiŋgaperi kurudyi rwaMŋari; kubva ɀino acimirira kuȿikira ʋaʋeŋgi ʋake ʋaitwa citsiko cetsoka dzake. Nokuti neciɓayiro cimŋe cete wakakwanisa nokusiŋgaperi aʋo ʋanoitwa ʋatȿene. NoMŋeya Mutȿene unotipupurira ʋo; nokuti wakataŋga, aciti:
Iyi ndiyo suŋgano yandicaita naʋo
Shure kwamazuʋa iwayo, ndiɀo ɀinotaura Ishe;
Ndicaisa mirairo yaŋgu pamŋoyo yaʋo,
Nokuinyor pakufuŋga kwaʋo;
Ndokuzoti:
Ɀiʋi ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo handicatoŋgoɀiraŋgariri.
Ɀino, kana ɀinhu iɀi ɀakaŋganwirwa, ɀiʋi haɀicaɓayirwi.
Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, ɀatiŋgatsuŋga kupinda panɀimbo tȿene neropa raJesu, nenzira itȿa mhenyu, yaakatiʋambira iye nokupinda kwake pacidzitiro cetembere, ndiyo nyama yake; ʋuye ɀatinomuprista mukuru paimba yaMŋari, ŋgatisweɗere nomŋoyo waɀokwaɗi, nokutenda kwakasimba, mŋoyo yeɗu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiʋiri yeɗu yakashambidzwa nemvura yakanaka. Ŋgaticeŋgete kwaɀo kupupura kwetariro yeɗu, kuti irege kuzunuŋguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka; ŋgatiraŋgarirane, timutsane mŋoyo kuti tiʋe noruɗo namaɓasa akanaka, tisarega kuʋuŋgana kweɗu, seɀinoita ʋamŋe, asi tirairane; ɀikuru ɀamunoʋona kuti zuʋa rosweɗera.