Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 2:16-25

Genesi 2:16-25 SUB1949

Jehova Mŋari akaraira munhu, aciti: Uŋgadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, ucafa ɀirokwaɀo. Jehova Mŋari akati ɀe. Haɀina‐kunaka kuti munhu agare ari woga; ndicamuitira muɓatsiri wakamukwanira. Jehova Mŋari akaʋumba nevu mhuka dzose dzesaŋgo, neshiri dzose dzeɗeŋga, akadziisa kumunhu kuti aʋone kuti ucadzitumidza mazita api; ɀipenyu ɀose seɀaɀakatumidzwa nomunhu, ndiwo akaʋa mazita aɀo. Munhu akatumidza ɀipfuwo ɀose mazita, neshiri dzeɗeŋga, nemhuka dzose dzesaŋgo; asi kwakashaikwa muɓatsiri wakamukwanira iye munhu. Ipapo Jehova Mŋari wakaʋatisa munhu hope huru, akaʋata; akatora rumbabvu rwake rumŋe, akadziʋira nyama panɀimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehova Mŋari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu. Munhu akati: Ɀino uyu ifupa ramafupa aŋgu, nenyama yenyama yaŋgu; ucatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume. Naiɀoɀo munhu unofanira kusiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake, ʋaʋe nyama imŋe. Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaŋga ʋasina‐kusimira, munhu nomukadzi wake, asi haʋana‐kunyara.

Verenga chikamu Genesi 2