Ɀino Kefasi wakati aȿika Antiokia ndakamudziʋisa pacena, nokuti wakaŋga anemhoȿa. Nokuti ʋamŋe, ʋakaŋga ʋabva kunaJakobo, ʋasati ʋaȿika, iye waidya naʋahedeni; asi ʋakati ʋaȿika, akadzoka, akaɀiraʋura, acitya ʋakadziŋgiswa. Naʋamŋe ʋaJuda ʋakaita mano‐mano ʋo pamŋe cete naye; ɀikaitwa kuti naiye Barnabasi ʋo akatsauswa namano‐mano aʋo. Asi ndakati ndiciʋona kuti haʋafambi ɀakarurama neɀokwaɗi yeEvaŋgeri, ndakati kunaKefasi pamberi paʋose: Kana iwe, uri muJuda, ucifamba saʋahedeni, usiŋgaiti saʋaJuda, unoroʋerera seiko ʋahedeni, kuti ʋafambe saʋaJuda? Isu ʋaJuda pakuɀarwa kweɗu, tisati tiri ʋatadzi ʋanobva kuʋahedeni, ɀatinoziʋa kuti munhu haaruramiswi namaɓasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu ʋo takatenda kunaKristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namaɓasa omurairo; nokuti hakunenyama icaruramiswa namaɓasa omurairo.
Verenga chikamu ƲaGaratia 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaGaratia 2:11-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo