Ɀino Mosesi akati kunaMŋari: Ini ndini aniko, kuti ndiende kunaFarao, ndiɓuɗise ʋana ʋaIsraeri muEgipita here? Akati: Ɀirokwaɀo ndicaʋa newe; heci ciratidzo cokuti ndakutuma: Kana maɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu muEgipita, mucanamata Mŋari pagomo rino. Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari? Mŋari akati kunaMosesi: NDICAƲA IYE WANDICAƲA. Akati: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: NDICAƲA ndiye wakandituma kwamuri. Mŋari akati ʋo kunaMosesi: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakandituma kwamuri; ndiro zita raŋgu nokusiŋgaperi, ndiro zita raʋacandiraŋgarira naro kuȿikira kumarudzi ose. Enda, undoʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, wakaɀiratidza kwandiri, akati: Ndakakushanyirai ɀirokwaɀo, ndikaʋona iɀo ɀamakaitirwa Egipita; ndikati: Ndicakuɓuɗisai pakunetswa kwenyu paEgipita, ndimuise kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaPerezi, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, kunyika inoyerera mukaka noʋuci. Ʋacaterera inzwi rako; uende, iwe naʋakuru ʋaIsraeri, kunamambo weEgipita, muti kwaari: Jehova, Mŋari waʋaHeberu, wakasoŋgana nesu; ɀino titendere kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova, Mŋari weɗu. Ndinoziʋa kuti mambo weEgipita haaŋgakutenderiyi kuenda, kwete, kunyaŋge noruʋoko runesimba. Ndicatambanudza ruʋoko rwaŋgu, ndiroʋe Egipita neɀishamiso ɀaŋgu ɀose, ɀandicaita’mo; pashure ucakutenderai kuenda. Ndicapa ʋanhu aʋa nyasha pamberi paʋaEgipita, kuti kana mucizoenda, murege kuenda musinecinhu. Asi mukadzi mumŋe nomumŋe unofanira kukumbira kunowaanogara naye, nokumutorwa unogara mumba make, ʋukomba bgesirveri nobgendarama, neŋguʋo, kuti mufukidze ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu; munofanira kutorera ʋaEgipita nhumbi dzaʋo.