Estere 4:16
Estere 4:16 SUB1949
Endai mukokere ʋaJuda ʋose ʋari paShushani, muɀinyime ɀokudya nokuɗa kwaŋgu; regai kudya kana kunwa mazuʋa matatu, ʋusiku namasikati; neni ʋo naʋasikana ʋaŋgu ticaɀinyima ɀokudya saiɀoɀo; ipapo ndicapinda kunamambo, kunyaŋge ɀisina‐kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara haŋgu.



